Zechariah 11

1Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni,
kuti moto uparadze misidhari yako!
2Ungudza, iwe muti womupaini,
nokuti musidhari wawa, miti yakaisvonaka yaparadzwa!
Ungudzai, imi miouki yeBhashani,
nokuti dondo resango ratemwa!
3Inzwai kuungudza kwavafudzi;
mafuro avo akapfuma aparadzwa!
Inzwai kuomba kweshumba,
sango rinoyevedza reJorodhani raparadzwa!

Vafudzi Vaviri

4Zvanzi naJehovha Mwari wangu: “Fudzai makwai akagadzirirwa kundobayiwa. 5Vatengi vawo vanoabaya vagoenda nawo vasina kurangwa. Avo vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaakudzwe, ndapfuma!’ Vafudzi vawo havangaaponesi. 6Nokuti handichazonzwirizve vanhu venyika tsitsi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa mumwe nomumwe kumuvakidzani wake uye kuna mambo wake. Vachamanikidza nyika, uye handingavanunuri kubva pamaoko avo.”

7Saka ndakafudza makwai akatsaurirwa kundobayiwa kunyanya ainzwisa urombo. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Nyasha uye imwe Kubatana, uye ndakafudza makwai. 8Mumwedzi mumwe chete ndakadzinga vafudzi vatatu.

Boka rakandivenga, uye ndakatanga kuneta naro
9uye ndikati, “Handichazovi mufudzi wenyu. Regai makwai ari kufa afe, neari kuparara aparare. Regai ayo akasara adyanane nyama.”

10Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi Nyasha ndikaivhuna, ndichiputsa sungano yandakanga ndaita nendudzi dzose. 11Yakaputswa pazuva iroro, uye makwai airwadziwa akanga akanditarira akaziva kuti raiva shoko raJehovha.

12Ndakaaudza kuti, “Kana muchiona zvakanaka, ndipei muripo wangu, asi kana zvisina, uchengetei.” Nokudaro vakandipa mubayiro wangu wamakumi matatu esirivha.

13Jehovha akati kwandiri, “Ikande kumuumbi wehari, muripo wakanaka wavakanditenga nawo!” Saka ndakatora makumi matatu esirivha aya ndikaakanda muimba yaJehovha kumuumbi wehari.

14Ipapo ndakavhuna tsvimbo yangu yechipiri inonzi Kubatana ndichiputsa ukama hwakanga huripo pakati peJudha neIsraeri.

15Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Torazve nhumbi dzomufudzi benzi. 16Nokuti ndichamutsa mufudzi panyika asingazovi nehanya neakarasika, kana kutsvaka makwayana, kana kurapa akakuvadzwa, kana kufudza akasimba, asi achadya nyama yamakwai akakora uye achabvambura mahwanda awo.

17“Ane nhamo mufudzi asina maturo
anosiya makwai!
Munondo ngaubaye ruoko rwake uye neziso rake rokurudyi!
Ruoko rwake ngaruome zvachose,
ziso rake rokurudyi ripofumadzwe zvachose!”
Copyright information for SnaBDSC